Romans 2

Vanhu vese vanofanira kutongwa

1Naizvozvo hauna manzvengero, iwe munhu, upi neupi anotonga; nokuti neicho chaunotonga nacho umwe, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga unoita zvinhu zvakangodaro. 2Asi tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi pamusoro pevanoita zvinhu zvakadaro. 3Zvino unofunga izvi, haiwa munhu anotonga vanoita zvinhu zvakadaro, uchiitawo zvakadaro, kuti iwe uchatiza kutonga kwaMwari here? 4Kana unozvidza here fuma yenyasha dzake nemoyo murefu nemoyo munyoro, usingazivi kuti nyasha dzaMwari dzinokuisa pakutendeuka? 5Asi neukukutu hwako nemoyo usingatendeuki unozvichengetera hasha nezuva rehasha nekuzarurwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari, 6iye achapa mubairo kune umwe neumwe maererano nemabasa ake; 7upenyu husingaperi kune vanotsungirira pakuita kwakanaka vanotsvaka kubwinya nekukudzwa nekusafa; 8asi kune vane nharo, uye vasingateereri chokwadi asi vanoteerera kusarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha, 9dambudziko nekumanikidzika, pamusoro pemweya umwe neumwe wemunhu anoita zvakaipa, pakutanga wemuJudha newemuGirikiwo; 10asi kubwinya nerukudzo nerugare kune umwe neumwe anoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo; 11nokuti hakuna rusarura rwemunhu kuna Mwari.

12Nokuti vese vakatadza vasina murairo, vachapararawo vasina murairo; uye vese vakatadza mumurairo, vachatongwa nemurairo; 13nokuti havasi vanzwi vemurairo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vemurairo vachanzi vakarurama. 14Nokuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachisikirwo zviri pamurairo, ivo, vasina murairo, ndivo murairo kwavari vamene; 15vanoratidza basa remurairo wakanyorwa mumoyo yavo; hana yavo ichipupurawo, nemirangariro ichipa mhosva kanawo kuvapembedza pakati pavo, 16nezuva Mwari raachatonga zvakavanzika zvevanhu, naJesu Kristu, maererano neevhangeri yangu.

VaJudha havana pembedzo

17Tarira iwe unonzi muJudha, uye unozembera pamurairo, unozvikudza muna Mwari, 18uye unoziva chido chake, nekugamuchira zvakanakisa, uchidzidziswa kubva pamurairo, 19uye unozvivimba kuti iwe uri mutungamiriri wemapofu, chiedza chevari murima, 20murairiri wemapenzi, mudzidzisi wevacheche, une chimiro cheruzivo nechechokwadi mumurairo; 21naizvozvo iwe anodzidzisa umwe, hauzvidzidzisi here? Iwe anoparidza kuti usaba, unoba here? 22Iwe anoti usapomba, unopomba here? Iwe anosema zvifananidzo, unopamba tembere here? 23Iwe anozvirumbidza nemurairo, unoshoora Mwari nekudarika murairo here? 24Nokuti zita raMwari rinonyombwa pakati pevahedheni nekuda kwenyu, sezvo zvakanyorwa. 25Nokuti kudzingiswa kunobatsira zvirokwazvo, kana uchiita murairo; asi kana uri mudariki wemurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa. 26Naizvozvo kana kusadzingiswa kuchichengeta zviga zvemurairo, kusadzingiswa kwake hakuverengwi kuti kudzingiswa here? 27Nekusadzingiswa kwepachisikirwo, kana kuchizadzisa murairo, hakungakutongi here iwe mudariki wemurairo nerugwaro uye nekudzingiswa? 28Nokuti haasi muJudha, ari muJudha rwekunze, kana kudzingiswa kuri kwekunze panyama; 29asi iye muJudha ari iye makavanda, nekudzingiswa ndekwemoyo mumweya, kwete murugwaro; ane kurumbidzwa kwake kusingabvi kuvanhu asi kuna Mwari.

Copyright information for Shona